Latest News Editor's Choice


News / National

'Avoid speaking against each other,' says Mugabe

by Staff reporter
30 Jul 2017 at 07:56hrs | Views
Below is President Mugabe's full address at the Mashonaland West Presidential Youth Interface Rally in Chinhoyi yesterday.

Ndinoda kuvamba nekukutendayi, kukutendesesayi, nokundimuka kwamaita muchiuya nehuwandu hwakadai. Hunobva hwaratidza kuti chokwadi yainzi Mash West yava "Mash Best".

Ndangariro yatiunza pano indangariro yevadiki vedu; Chipanga, vatinopa rukudzo saChairman vemayouth, nevamwe vavo.

Vakangovamba vachiti ngatiitei imwe interface yekunosangana naPresident, nyika yose. Vakakokorodza vanhu kuti vafambe one mile vachiuya kuHarare kuzonditenda nebasa randakaita ndiri Chairman weAfrican Union; zvichibatanidza nehuChairman hwedu muregion yedu yeSadc.

Saka iyi yakazova-PFungwatsva yazvarwa pane-PFungwa iyoyo yokutanga.

Ndozvatinoda kuona musangano wedu uchiita,-PFungwa dzemberi dzinoita kuti musangano wedu urambe uri musangano wevanhu. Urambe uri musangano wekubatanidza vanhu pachavo, kubatanidza vanhu nevatungamiriri vavo. Tichinzwa-PFungwa dzenyu dzamunadzo dzinoti zvinangwa zvamungadai muinazvo zvekuti musangano uenderere mberi nezvichemo zvamungadai muinazvo zvekuti "tiri kuchema nezvakati nezvakati mungazviongorore here?"

Tauya kuMashonaland Best, vana vedu, mayouth edu.Kuti vazoronga kuita gungano rakadai rinondimuka richiuya kuChinhoyi ibasa rokushinga, kushinga nechido.

Hongu, rubatsiro rwunovapo kubva kumadzimai, kubva kuvakuru; kubva kushamwari dzedu.

Kubatanidzwa ikoko, humwe chete ihwowo, ipfungwa yevana vedu.

Tinovatenda.

Varovereyi maoko!

Varovereyi maoko!

Hapasi pano chete. Ndinofunga gungano rino rava rechishanu. Vanoda kupedza maprovince ose vachidayi. Tova nekugutsikana kuti nyika yose, maprovince ose varikumashure kwemusangano.

Hatina kumboita-PFungwa yakadai, kana isu vakuru. Kwatakabva, taiita zvedu marally, asi-PFungwa yekusimudza kuti province yose bvayati ndimu, neshamwari vana varipo, vamwe nevana kumusana.

Ahh, izvi zvinofadza. Zvinobaya, moyo zvakare. Ini semukuru wenyu, (mayouth) wavakada kuti ndive ndifamba maprovince ose, kuine sangano iri revanhu naPresident.

Ndozvinoreva interfaceka; muchiona kuti takasimba sei muchinzwawo President kuti angadai aine mashoko akadii.

Ndinoda, pamashoko iwayo, kuti ndivambe ndichiti Zanu-PF ndiwo musangano wakarwira nyika.

Ndiwo musangano wakafirwa nemagamba edu. Ndiwo musangano, nhasi uno, wavakutonga. Ndanga ndichitaura kwatabva kucentre yecommunication ndichiti hatingave vanhu vane tsika yemusangano?

Hatingave zvakare marevolutionaries vane gwara?

Nekuti revolution haisi yezuva rimwe chete. Patakati nyika inorwirwa, hatina kuti kukapinda vakomana vakaita zvavaita, vapedza, kana vauraiwa zvapera. Revolution icontinuous process inoramba ichifamba. Isu tatakura nyaya yekuzvipira, nyaya yekurwira nyika yedu tichitarisa shure kwedu, kuti vakuru vedu ndezvipi zvavakaita?

Ndosaka tiine mazita evakafira nyika.

Vana Mbuya Nehanda naVana Kaguvi naVanaLobengula vakashandira nyika.-PFungwa dzavo dzaivapfungwa dzakafanana nedzedu. Vatorwa hatingavabvumire kuti vatore nyika, vatigare matumba vagotiita varanda. Kwete. Ndosaka vakabata mapfumo. Hongu,-PFumo nepfuti zvakasiyana. Ane-PFuti anokurira ane-PFumo.

Asi isuwo mokunzwa nhoroondo yezvakaitika, takati haa, vakuru vedu vakakuriwa nepamusana pekuti vakarwisa nemapfumo. Vakanga vasina zvombo zvine simba.

Takatarira kuti iye muvengi chakamusimbaradza chii. Takaona kuti hapana chimwe kunze kwepfuti. Vakasimba pamusana pekuti vakazendamira-PFuti. Dai vasina kuzendamira-PFuti, zviri zvibhakera, dai takamunakura kare kare.

Dai akanga asina-PFuti aive nemapfumowo, wainge akabaiwa kare akashaya.

Ane-PFuti hatingazvikwanisewo here?

Tikaona kuti tozvikwanisa zvakanga zvaitwa kune dzimwe nyika; kunaana Algeria kwavakarwisa maFrench kwemakore akawanda. MamaFrench aiti pamusana pekuti vaona kuti Algeria ine hupfumi hwakawanda, ndopavanorima magrapes anopa wine yavo; ndokwavane mapurazi, vakati aihwa.

Vamwe vese vakanga vavane independence, asi Algeria aihwa, "it's part of France" and there is a whole Mediterranean Sea in between.

Imagine, a country, by virtue of military strength, claiming that Algeria is part of France. Isu takatarisawo maBritish tichiti vanhu ivava ko vakambobva nepi? Vakuru vedu vaiti vakauya vasina mabvi (nokuti vaipfeka matrousers) vachingoti tauya kuzokwasha mhuka. Apa nepapo vachiti tangouya kuzochera zvicherwa kwete kuzotora nyika yenyu.

Ozoona ah, vaakutovaka, vaakutoitawo hurumende, vaakutotora nyika yedu, vaakutisunda isu kuenda kune vhu vachiti ndokumaruzevha kwamunosungirwa kuenda.

Vauyi. Saka takarongawo hurongwa hwaida kuti tive nemusangano wakasimba. Hongu, takazoita musangano, tikaparadzana, Zanu neZapu, asi takazobatana. Muvengi wakarohwa kuno uku, tinechiyeudzo chakakosha. Vakomana vanomwe vatakatanga navo vakahwandirwa nemuvengi, asi vakamira vakadandaura-PFuti pamhiri apa. Kudandaura-PFuti pamhiri apa dakara zuva ravakudakudoka.Muvengi akati ahh, rikadoka hatizovakwanisa. Vanozoenda tisingavaoni. Ngatikurumidzeyi. Ndopavakazouya nendege zvino kuzobhomba. Ndokukurirwa kwakaitwa the seven gallant sons, revolutionary sons of Zimbabwe. They shed their blood. They left us, therefore, a legend; and that legend meant that we, too, must be prepared to fight to the end for our country. If it meant sacrificing ourselves in the same way of shedding our blood, let it be. If it meant being thrust into prison and being tortured, let it be.

If it meant being restricted; being detained, let it be. Makaiswa mumakeep semhuka, kutenherwa mumakeep. Asi hamuna kudzoka shure. Makati vana vedu variko, muri mumakeep imomo maikwanisa. . .vana vedu vachiverevedza kuvaudza kuti muvengi ari kwakati nekwakati.

Endai kwakati, mumisha.

Maikwanisa zvakare kuvapa kudya nekuvapa mazano enzira dzavanosungirwa kutevera, nekuvapa vana venyu kuti vajoine kupamhidzira kusimba; kupasimba, kusimbaradza varwi vedu — Zanla and Zipra forces. Muvengi akazoedza. They tried this and that when the going was hard. Then they tried to use our people, anaana Muzorewa, kuti Muzorewa edza kubatanidza vanhu ivavo. Zvino Muzorewa, as their front, isu tava muprison, vakati tinokuchengeterayi vana venyu veZapu neZanu. Kana mabuda, tokupayi musangano wenyu. Vakuru vedu VeFrontline States were deceived. Even Nyerere. Nyerere said to us, "What sort of people are you, leaders of Zanu and Zapu?"

"There is a man of God", ndiNyerere uyu, "who said, as you were in prison, he acted like a grandfather to your parties. He is saying now, now that you are out, take your child and let me go back to my Bible."

Ndaana Nyerere tichiita musangano kuLusaka.

"Muri vanhu vakaitasei? Munhu akakubatirai maparty enyu arikunze vamwe vari muprison achiti ini ndakaita sababa kana sekuru vasara vakabata vana venyu, zvamabuda zvino arikuti uyu munhu waMwari torai vana venyu. Ini ndoenda kubasa rangu rezvekwaMwari."

Saka, maFrontline States akatendera izvozvo. Zvikanzi, "Ko, kana akadaro, chirikukutadzisai kubatana chii?"

Isu taiziva hondoka. Takanga taramba kare kuti ayewa, aya manyepo. Ava vari kutirwisa, saka takangoramba takadaro. Takaita mano-mano tikati okay, taakubatana. Iye akanzi ndiye ave mukuru wemusangano, mubatanidzwa uyu, ANC yaVaMuzorewa.

Isu hatina kubvuma izvozvo. Takangoita cha "ufambe wakachenjera".

Tikati ah ah, ngatirambei tichiburitsa macomrade vachienda kunze. Aya manyepo aya. We knew him. Mubatanidzwa watingaite. . . hezvo! Vaakuda varungu kuti vave pamwe chete nesu. Ungave mubatanidzwa wakanaka here? Saka takaita tamba wakachenjera yedu, tikasiya vaanaChitepo, ana JZ Moyo varikunze. Asi tsaona dzakazouya dzakawira VaChitepo.

Ndopandakaburitswa ini ndikaenda kunze. Zvakava zvimwe chetezvo. Zvakanga zvakaoma kunze. Vese vakanga vabuda kunze, mirwi yavo vese, vaiti tiri ANC. Saka, isu naTekere takati pakati pavo, ayewa, kunaana Samora taiti tiri Zanu isusu.

Zanu vachiti muchaita Zanu yakarambwa kuOAU. Tikati tiri Zanu chete. Pakazonzi zvino maBritish arikuda hurukuro kuGeneva, maFrontline States votiunganidza.

Isu takati tinoenda ikoko seZanu-PF.

Nyerere akatenge abvuma zvino kuti ah, "Ndimi mune vakomana varikurwa. Dai mabatana."

Ndopatakaita Zanu-PF muTanzania, tikakokorodza vanga vari kunze. Vanaana Nkomo vanga varimukati, tikati chibudai. Saka, takaenda kuGeneva as Zanu-PF, asi yakanga isati yabuda nemutowo iwowo. We were the Patriotic Front. Zanu-PF takazoita after Independence tava Patriotic Front.

Ipapo dai tisina kubatana tiri vaviri, ava maparty maviri aya. . .uyu Muzorewa takamuregera tichiti ava ndiye mukuru ari paunity nekuti haana kuzoti zviye zvandakataura kuti "I am a grandfather; take your children". He did not, at the end, live up to that pledge, which he had made before.

Akazoti, "Haa ndini, ndavaPresident."

Ahh! Ko Bible raita seiko nhai sekuru? manga muchiti ndimi sekuru. Ava vakabuda mujeri, ava vakabatana, ndinosiya zvenyika ndoenda kuBible. Zvino mavakuti Bible munerumwe ruwoko, politics munerumwe.

Zvikanzi: "Aihwa, ndava mukuru. Vanhu vanondida."

Ahh, hapoka. Saka, kwakazoita ANC yaMuzorewa yakaramba ichienda mberi. Ipapo ndopatakachenjera nekuti dai takatendera zviri izvo, tainge tisina kumbowana nyika yedu nekuti vanaMuzorewa vaida kubatanidzwa nevarungu. Varungu vainge vachiri kubata maprazi edu ese pasina chavanotya.Saka, ipapo ndopakaitwa yandingati the resurrection of the armed struggle after Geneva tati kuna anaKaunda (nekuGeneva) mushure mekufa kwaChitepo, abata vakomana vedu. . .

Hanzi ndimi mauraya Chitepo. Vakomana vakanga vachitungamirira hondo, mirwi yacho; vanaKadungure, vanaTongogara nevamwe vakadaro. Saka, vaburitswa, kudivi redu, ndopakazovamba zvino hondo pachezvayo. Ndopakazova zvino nekubatana kuhondo kuti kudivi redu Zanu irarame; kudivi raVaNkomo Zapu irarame.

And from there on. . . 1976, 1978, 1979, Lancaster House tanga tavaPatriotic Front, real revolutionary partnership.

VanaMuzorewa, you know the story that happened naanaChikerema naanaNyandoro.So, that history must not be forgotten.

That strategy, clever strategy yatakaita, "kuramba takaminama"; veOAU vachiti hatichada kunzwa nezveZanu. Hatichada kunzwa nezveZapu. Isu takati aihwa, tisu tinoziva nezvenyika yedu. We will not give up our parties.

And true, they recognised our parties kuGeneva 1976, and the story then was won; of our struggle that we waged on both sides.

And that is history we should not forget. Takazoita real struggle yepfuti takarasikirwa nevakawanda, and along the way, kwese,  whether it was on the Zanu and Zapu sides. The recognition was that politics leads the gun. Hondo inenge iri hondo inotungamirirwa pakurongwa kwayo neparty. Varwi, vanotungamirirwa neparty.Pfungwa dzinobva kuparty kuti tinoda zvakadai, zvakadai. Imi rongai kuti tikurire muvengi.That must not be forgotten.

That must not be abandoned, even today, as we are in Government. We are in Government now, still, and even in a better way, as the Patriotic Front. The laws that are made come from the party, passed in Parliament and are obeyed by the Government.

The Government, which has the Ministry of Defence, the Ministry of Home Affairs, the Ministry of Intelligence and Security, all combined to defend the country, Internally, in respect of law and order. Externally, in respect of guarding our borders and staying ready, ready should we be attacked from outside.

This is how we are. This is how all governments are, and we want the situation to remain that way. We give immense respect to our defence forces. Most of those in leadership are persons we were with outside our country, and we continue to respect as revolutionaries. Yes, they will retire and we must find room for them in Government so they don't languish, so they continue the struggle now, political struggle, together with all of us in the leadership of the country.

And this is what we expect to happen.

We, the rest, must continue to think not just of the present, but of those who fell, beginning with the gallant seven sons who fell here, in defence of our country, in defence of our revolution. I have visited the graves.

I would want the seven of them, all of them, because they are the ones who started on this side, the Zanu side, the armed struggle as we recognise it today, the guerilla struggle. I would want to recommend to the rest of our comrades in Government that we declare all the seven, as they lie there, national heroes and erect a monument there, inscribing their names.

Father Ribeiro has written a book on them. We thank him for it. He has researched about them and about their backgrounds and we thank him very much for it. He used to be our Chaplin in the prison in Harare.

Then, he was to come to us to hear difficulties we were having and say prayers with us and sing hymns. He composed quite a number of Catholic hymns with us. And he happens to be also the one in whose house Tekere and I hid, tanzi budai muyende kunze munoita basa rakasiiwa naVaChitepo.

Takagara mazuva akati kuti tiri mumba mavo nekuti kwese kumwe, the enemy would have found out and stopped us. But no, quietly, we stayed there and quietly we left, taakutakurwa naVaMahachi right out to Inyanga. It's a story I have told. Tinomutenda zvikurukuru.

Be, as we have said before, people of principle, who believe this country is ours, that we are sovereign now. We are owners of the country; that we should defend and protect it.

So, how come, I ask, that some of you, who have farms have allowed whites to come back clandestinely and are farming? They are working on your farms as you spend time, perhaps, in Harare. Mapurazi arikurimwa nemabhunu. Komatadza kurima? Maakudzora mabhunu. Awandaka mapurazi akadaro munyika. Saka, vakambomhanya vachienda kuSouth Africa, zvino vadududza nenjere dzekuti ahh, nekuti takasiya gejo redu nematractors achiri kune mamwe mapurazi. Handei tichiti ahh, tinokurimirai. Zororai zvenyu. Tisu tovavarimi. So, what are you doing? Munofunga muri kuiteyi? Muri kuiteyi? Kuchenjera here ikoko? Huh? Mai Mugabe vanga vachikuudzai nenyaya yedhongi. Ini ndirikuda kukuudzai nyaya isiri yedhongi asi yengamera. Ngamera; maArab anokwirawo mangamera semakwiriro atinoita madhongi. Mumwe aiva nengamera yaaigaroshandisa, achikwira. Yakasvika nguva yekuti kunze kwakanga kwavakutonhora. Ngamera ikati, "Changamire, kunze kwandiri uku kwatonhora. Dai mangondibvumira kuisa gumbo chete mutende mamuri munodziya."

Munhu akati, "Aah, gumbo chete? Kana ririgumbo chete isa zvako."

Ngamera yaisa rimwe chete yakazoti, "Aah, hazviite kuti ndiise rimwe chete. Mungandibvumira kuti ndipamhidze kuisa rimwe? Zvikanzi, "Isa zvako. Asi ndizvozvo chete."

Mumashure zvikanzi, "Aiwa (yasvimha misodzi), chokwadi kwatonhoresa. Regai ndingoise musoro chete."

Zvikanzi: "ah wazonyanya kaiwe. Isa zvako."

Zvikanzi: "Mazviona. Musoro chete kungodai unorwadza. Dai mandibvumira kuti ndiise musoro nomusana."

Yaona kuti zvino yaisa makumbo, yaisa musoro, yaisa musana; yasimba, ndokubata muviri nouyo huruku! Abatwa! Akandwa kunze! Ngamera yapinda mutende! Ndoyaakudziya moto!

Rwaive rungano rwaive mumabhuku edu ekuchikoro. The story of a man and his camel. Ndozvamuri kuitwa, kuti "ingondibvumirai chete, ndauya kuzokurimirai". Chido here? Ndiri kungotaura ndichida kukupai mazano. Ndiri kutaurawo, zvakare, semutungamiri wakamboona maitiro evarungu. Nezuro uno uyu, tabvumirana ku Lancaster nehurumende yaanaCarter kuti tichazonge tichitora mapurazi kupa kuvanhu vedu. Vakabvuma. Tikati munotenderwa kutipa rubatsiro rwekuti vana venyu vachati tipei compensation nekuti zvakaita kuti mapurazi edu abudirire takatenga equipment yakati kuti. Isu hatina mari yekuvapa.

Karewo, zvakarewo, hapana kodzero nekuti vakuru vedu havana kumbotengerwa mapurazi iwaya. Saka, nhasi uno, hatidi kunzwa muchiti ngavabhadharwe nesu.

Kubhadharwa?

Ivo vakatitorera nyika vasina kuitenga?

Aiwa, ndozvatakaramba navaNkomo izvozvo. Asi maBritish akati, "Aah, hongu, tichakupai mari yakati kuti yekuvapa. Asi, haikwane. Hurumende yeduwo haina mari yainayo ingakwanire basa iroro."

Tikati kana isingakwane, musangano uno hauyenderere mberi. Isu tanga tatopedza mazuva akati kuti anotonge osvika one week yose tisingaita musangano kuLancaster.

MaAmericans ndiwo akazouya achiti, "Aah, inga manga makwanisa, manzwanana pane zvose. Zvino iyi nyaya yecompensation ndoyotadzisa kuti muchipedzisa musangano? America ichazokubatsiraiwo; yopamhidzira panenge pasiirwa nemaBritish."

Tikati kana muchipamhidzira zvinokwana ndozvatinoda. Isu tinongoda chete kuti titore mapurazi edu, tipihwe mapurazi edu.

Zvecompensation kana mazvikwanisa, well and good.  Saka, hongu, patinova paIndependence yaive Carter administration hurumende yaCarter yekuAmerica.

Patakanga tava paIndependence yedu, taakuronga zvokupa vanhu minda, tatombopa vamwe, hezvo! Carter administration yakurirwa kuAmerica, vakurirwa pavote kwapinda Reagan; Reagan zvikanzi, "Aiwa. Muri maCommunist. Hatingarambe tichikupai mari."

Tikati kondimi makapikira kuti muchatipa mari. Zvikanziwo, "Aiwa. Muri macommunist."

Zvino takazoti apapa chionai.

Kwozouya vanaBlair. VanaBlair ndivo vakabva vati nyaya yekuti minda itorwe, aiwa, hatiyisapote. Zvatakabvumirana kuLancaster vakati aiwa, hatidi kuzvinzwa.

Zvikanzi isu tiri Labour Party.

Hatisi Conservative yamakanzwanana nayo. Tikati zvine musiyano here?

Government yenyika ikayenda muhurukuro, yosvika pakunzwanana neimwe nyika, vosunga chisungano ichocho, yazokurirwa neimwe, inosungirwa kucherechedzwa neimwe iri kuuya.

Successors are not only successors to the assets of a country, but also to the liabilities and obligations of a country.

Vanhu vaakuramba.

Tikati it's a violation of international law. Haadi kuzvinzwa, Blair.

He was just a young man from the streets akanga asina background yakakwana, even yepolitics, let alone international law.

So, ndopandakazoti okay, ini handisi kuda nyika yako. Inyika yedu iyi. So, keep your England and we will keep our Zimbabwe.

Kumira panyaya dzekusimudzira nyika, kumira panyaya yekudefender nyika. Kwese kwamunoenda kwamunofanirwa kuenda, muhurukuro dzamunoita nevamwe kana muri mumusangano.

Ingava musangano yekuSadc, ingava musango yekuOAU, international organisations. . . mirirai nyika yenyu.

You are Zimbabweans, free Zimbabweans, revolutionary Zimbabweans and proud Zimbabweans.  Ndozvatiri. Tingave varombo pane izvi neizvi. Zvatisati tawana zvakawanikwa kare nenyika dzakabudirira, but the one thing that we must never let go is our freedom, ownership of our resources and our story, the legendary story of our struggle.

Vakuru vatinavo muPolitburo, muGovernment should recognise that the principle that made us succeed was one of unity.

Yes, there is the aspect of discipline and self-sacrifice, but underlining those ones is unity. Unity means we are together in mind, we are together in the way we operate in our positions. We are together in mind also means we should speak the same language.

We should always avoid speaking and acting against each other.

Kunyeyana, kuorganisirana. . .ndaiti kunaVaChipanga, you will certainly be getting vamwe vakuru vachiti tinoda muite zvekuti zvekuvasimbaradza ivo.

Nguva nenguva, I am sure you already have them. Vamwe they are your comrades; members of your province will say support us. Support us against the Chairman. Support us against so and so. Don't listen to them!

Once you start listening to one party, then you are alienating the other side, and you are supporting division. You are supporting division, and that division will penetrate your organisation. And you will see your organisation, the Youth League divided.

It get's divided in the provinces, and there is a split organisation altogether; from top to bottom. We don't want to see that. We have avoided that as the ruling party.

There are factions, as you have heard. But we don't allow those factions to prosper at the expense of the party and unity.

And we say stop it! Stop them! Stop them! And stop them again and again!

Discuss your differences; discuss them. Why don't you discuss them?

Well, there is the issue that the President is going. I am not going. The President is dying. I am not dying. I thank God for having lived up to this day. I thank God for giving me good life. I will have an ailment here and there. I will go to the doctor like anyone else. But maorgans angu ese; my heart, my liver, mukati umu, they are very firm, very strong.

And recently, vakashama vanachiremba, and they said your bones are very strong. Ndikati ndiMwari. But muscles and bones must be assisted to be strong. For years, ndanga ndingori munhu anoramba achiita exercise the body; from prison to this day.

So, certainly, the bones are bound to be strong. Tinonamata kuti Mwari arambe achitipa hupenyu. But mukudaro, tinenge tichiziva kuti pangave pane vamwe vaneshungu yekuti dai vapindawo muhuPresident now. I accept that.

But I also think and recognise that having led the party for so long and having brought this kind of unity, a new man anyatsonzi hekani nevekuMDC kwana Tsvangirai, kuti vapinza munyowani.

Anenge asati azvipawo the same firm stature and the same acceptance as I have managed to secure over the years for the party. Saka, ndinenge ndichida kuona kuti is the situation ripe?

Ndichida kuonawo zvakare kuti are we united? Are those who are all my subordinates, all of them nemaministers. . .?

Ndoona kuti kwete. Vamwe vari divided tribally; vamwe vanoshorana: "Rwendo rwuno, hatidi vechiZezuru taakudawo kuti tipindewo isu."

Once you have that kind of talk, you are not a uniting person at all. I don't have that kind of talk. I am happy; when I am in Matabeleland, Midlands or in Manicaland, hapana kwandinoti ava havasi vangu.

So, develop that culture. Develop a culture that releases a principle that people are united. Sons and daughters in the struggle came from all provinces, and we did not discriminate against them. We did not allow them to look at each from a tribalistic point of view. No. Zimbabwe was the bond. Zimbabwe was their one and only country.

"We are fighting (this struggle) as Zimbabweans. We are fighting it so we can change Southern Rhodesia and call it Zimbabwe. Tine culture yedu yekuMasvingo; ndokuchabva zita redu."

Tinoda kukutendai nekubatana kwamakaita mumaprovince, maprovince enyu.

Pamaprogrammes edu, takauuya gore rapera neprogramme yekuti tiite mubatira pamwe panyaya yekurima chibage.

Avo vari kunemvura kunyanya, huyai pamubatira pamwe; tichazotsvaga zvose zvekurimisa: seed, fertiliser, equipment pamwe chete.Saka, huyai tive nemusando wekubata Command (Agriculture) yedu mukubatana kwatakaita. Saka, ndiyo yatipa, zvino, goho ratakanga tisati taona. Ratiputsa musoro iye, zvino, kuti ko toisa kupi?

Hatina kunge tafunga patakafunga zvemubatiranwa uyu. Dai takafungawo zvekuti kana chibage ichi tachirima, tichaisa papi?

Ndinoziva kuti zvinotora nguva kuvaka masilos, asi tingadai takavamba kuvaka mamwe nekugadzirira nzvimbo ka.

Dai taitarisa kunaanaSouth Africa kuti nzvimbo dzimwe dzavanoita temporary structures vanodziita sei.

Hongu, taiti kare kana masilos edu azara, tovaka anenge matara pasi atinoisa mapango tichiwaridza chibage ipapo; choiswa mumatende achinochengetwa.

Asi, chinokwanisa kuchengetwa kwemakore maviri chete chiri mumatende aya chichispreyiwa kuti zvipfukuto zvisakanganise. Ndozvataiita kare izvozvo.

Kana iye zvino, tinozviita zvedu. Asi ka, zvichakwanisa here kutakura chibage chakawanda kudaro?

Saka, ngaive issue yekufunga kuti tochiisa kupi? Iye zvino, ndirikunzwa kuti masilos aya anenge akuzara, but tinofara.

Kuguta ikoko.

Kuguta; kuzvimbirwa kwataita.

Ndozvakanaka.

Vana vedu vachazvimbirwawo. Hatichazova nekutsvaka mbuva yemhuri nevana zvatakanga toita makore apfuura tichirohwa nezuva. Toitawo zvimwe zvirimwa. Command Agriculture iripayo. Iripowo yevanhu varikure nemadhamu, varikumaruzevha, vangadai varikuA1.

Ava tinokwanisa kuramba tichivapa rubatsiro rwePresidential Scheme.

Asi, zvirimwa ngazvipote zvichichinjawo; tichiti kana tikakwanisa kurima dzirimbambaira, kana dzingave mbeu dzinotipa mafuta, dzingave beans.

Ndaiti kune vamwe vangu musi uno uyu, ko tirikusemerei kurima rice? Dai tapindawo murice, zvekare, nekuti vanhu vedu vaakudya rice mazuva ose ose rokutenga. Tiri kuritenga makore ose. Tikagona kurima rice, ratingagone kudya isu zvedu, tichaona kuti hatizodyi rice rinotitorera mari yekutenga.

Zvingabatsira kwazvo.

Vamwe vaiti ko ngationeiwo zvinorimwa kunaanaEast Africa, kunaana West Africa secassava, tiedzewo kurima iyoyo zvakare parutivi.

Ehe, ngazviiedzwe. Vanaana mbambaira zvese tinozvida. Mbatatisi tinodzida. Saka, rimai. Rimai kana mvura iripo; kana minda iripo. Ndichidaro, ndinoramba ndichiti: Rimai murimi, rimai murimi. Kana usingagone kurima ka, tiudze tikuchekere munda uve mudiki.

Mbeu, mbeu, mbeu. . .dzinorimwawo futi. Kozotiwo livestock; mombe. Isu tinofunga kuti mombe ndedzekungochengeta zvaiitwa nevakuru vedu. Dzinongouya papurazi dzongoregerwa dzichinzi dzirikumafuro. Aiwa. Dzinosungirwa kuchengetwawo. Urikuda mombe dzerudzi rwupi?

Une hufuro here hwakakwana?

Unokwanisa here kudzigadzirira hufuro?

Huswa hunokwanisa kuchekwa huchiitwa mabhero kuti mombe dzizodya pachirimo. Tinokwanisawo kurima masora; masora aye anonzi anonunisa mombe, anoita kuti mombe dzikore kana wodzitengesa wowana mari iri pamusoro.

Isu tinenge tinenjere here dzekuti mombe dzedu tinofanirwa kudzichengeta nemutowo wokuti dzauya, matsiru aya, unoda kuti tsiru iri rive rinobereka nenguva, mhou dzive dzinobereka nenguva kwete kungochengeta chichengeto chisina huzivi hwemazuvano?

Tine mavet agents edu kuMinistry of Agriculture anokwanisa kubatsira.

Saka, haungoregera uchiti dzichawana mabhuru pakati apo. Haiwa, kune mabhuru. Dzinochengetwa kuine ruzivo rwekuti kwaita mhuru. This time, it should yield another calf panguva yakati. Mabhuru atinawo aya, mombe dzopihwa mabhuru dzichichatiswa. Ndozvazvinoitwa.

Saka, hatingodziregerera semhuka dzemusango. Pamhuka dzemusango, vakabata ikoko varikuti dzimwe dzacho dzawanda.

Ehe, takati dzinoda kutapudzwa. Tingape vamwe vanoda kuchengeta mhuka dzakadaro sedzedu, shamwari dzekunze.

Asi, hatina kuti ngatibva tatengesa zvuru nezvuru zvinosvika 2 000. Handizvo zvatakabvumirana. Tinoda kuona dzinonzi dzakawanda, kana dziri nzou.

Kwete kuti tonotapura nemagiraffe, antelope and so on; hatina kumbotaurirana izvozvo. Ngatidzigadzirireiwo kwadzinosungirwa kufura. Hongu, tinosungirwa kuona kuti hadzina kuwandisa here, asi ngationei kuti dzinenge dzawandisa ndedzipi? Rudzi rwupi? Ndodzatingatapure idzodzo.

Ndinoda kupedzisira ndichiti vakomana ndimi, nemadzimai, vatinoti musimboti weparty yedu.

So, when you demonstrate that you are working together and you can raise such crowds, we feel proud and we say to you well done. You are doing this good work.

Zvino ndonzwa kuti mayouth amwe anga arikuhurumende achiita basa varikunzi vachadzingwa.

Hatina kumboudzwa isu nyaya dzacho, and we don't accept things like that.

The economy is recovering: Is that the time we should be dismissing/expelling our youth? What are we demonstrating, treating young men like that?

Tonzi tashaya mari iye zvino patiri kuti takuenda tichiva nehupfumi? Even kumamines; our minerals are yielding, now, more and more revenue for us. More gold; more platinum; more chrome; more platinum, etcetera. Please, reinstate those youths.

We never, never agreed on the issue of expelling so many youths, 2 000 of them.

Saka, whether it is the Ministry of Finance or the Ministry of Labour, please stop it.

On that note, I would like to say thank you for coming.

Tinotenda zvikurukuru.

VaMugabe vanozvikudza netsigiro yakadai. Asi ndinenge ndichiziva kuti itsigiro yandirikupihwa semutungamiri, yorega kuenda kumusoro kwangu and spoil me. No. I am a leader of the people. I must listen to your recommendations, to your grievances and see that your life and the life of our children is getting better and better.

Let's look after our children.

They are the leaders of tomorrow.

They will take over not from us, but from the likes of anaChipanga, who, I hope, will live after us and continue our legacy.

The Zanu-PF legacy must continue; history must continue. The achievements of Zanu-PF must continue and be protected. Hupfumi hwevanhu haubatwe-batwe nevauyi.

Nyika ndeyenyu. Hupfumi ndehwenyu. Hausisiri hwemabhunu.

Source - sundaymail