Opinion / Columnist
Tsvina yenyu yanyanya vapostori
15 Dec 2014 at 08:31hrs | Views
Tsvina pamiviri yenyu nepa magemenzi enyu haikoki vanhu vatsva kuuya kuzonamata. Chipostori ndicho chinamato chepa mavambo chemu Zimbabwe asi varimo muchipostori ichochi ndimi munoita kuti ruzhinji rweZimbabwe rwuvenge chinamato ichocho.
Honai tsvina pa magemenzi enyu pamunenge maakubva paMasowe maakuenda kudzimba.
Munonamata makagara mumavhu pedzezvo vanoshandira vacho vopihwazve minamato inoda kuti mudirwe mvura. Kana madirwa mvura zvobva zvasangana nevhu ramunenge makagara mariri zvoburitsa madhaka sepa picture iri pano iyi.
Mazara madhaka iwayo mobva mafamba nzira yose kuenda kudzimba dzenyu muchipfuura nepamuno onekwa nevanhu vose. Vanhu vanokuonai makaita sepa picture apo mati vangadewo kuuya kuzonamata muchipostori chamunenge mashambadzira hutsvina kudaro?
Munotobva makwira mabhazi nemakombi azere vanenge vakashambidzika movazadza tsvina. Mati chingarege neiko kushorwa nekutukwa chipostori kana muchidai nhai vatendi?
Hamuoniwo here kuti muri kuuraya chipostori nehutsvina ihwohwu? Kupedza zvese izvi chiororo chacho kungovaka torega kunamatira mutsvina muvhu.
For more information visit: www.masoweechishanu.org.uk
Honai tsvina pa magemenzi enyu pamunenge maakubva paMasowe maakuenda kudzimba.
Munonamata makagara mumavhu pedzezvo vanoshandira vacho vopihwazve minamato inoda kuti mudirwe mvura. Kana madirwa mvura zvobva zvasangana nevhu ramunenge makagara mariri zvoburitsa madhaka sepa picture iri pano iyi.
Munotobva makwira mabhazi nemakombi azere vanenge vakashambidzika movazadza tsvina. Mati chingarege neiko kushorwa nekutukwa chipostori kana muchidai nhai vatendi?
Hamuoniwo here kuti muri kuuraya chipostori nehutsvina ihwohwu? Kupedza zvese izvi chiororo chacho kungovaka torega kunamatira mutsvina muvhu.
For more information visit: www.masoweechishanu.org.uk
Source - Masowe eChishanu
All articles and letters published on Bulawayo24 have been independently written by members of Bulawayo24's community. The views of users published on Bulawayo24 are therefore their own and do not necessarily represent the views of Bulawayo24. Bulawayo24 editors also reserve the right to edit or delete any and all comments received.