Opinion / Columnist
POEM; Kisimusi paZimbabwe
07 Dec 2016 at 22:11hrs | Views
Gegegegege kuseka nhamo serugare
Pfachaa yasvika kisimusi
Tichaziveiko paZimbabwe kunze kwayo nzara
Hutongi hwavo Gushungo chirambamaguta chaicho
Igangaidza mukwenyi mhezi yavavira mumwoyo
Matura ave matongo ezviyo nzara yarura mumusha
Inga chaiseva zvino chotemura
Torangarira rusero rwakazara zvingwa zvakazodzwa nhapitapi Sun Jam
Dzangove ndangariro matakadya kare haanyaradzi mwana
Kisimusi paZimbabwe yave ngano yaMbuya Saruwe.
Rwendo rwuno toitamba tichidya nhunzi
Todadirwa nemafufu evachabva Joni
Ko vangakone neiko iro bond note vachizoonera muno
Mari inonyungudika ichisvibisa homwe setsubvu muhombodo yepwere
Urombo hwematede kunayiwa nemvura makurwe ari mumhatso
Chirega ndikubairei zanhi imi vachabva mhiri kwaLimpopo
Huyai nemari dzekudzokera
Kuno hakuchina chekubata mai vatsva musana mwana atsva dumbu
Chati homu chareva
Taona pfumvu paZimbabwe
Rinobuda rigonyura tirimumutsetse kumabhanga
Kisimusi paZimbabwe dzangove ndangariro
Inga havo vana vashe vanobhururuka vonoidyira Dubai
Hanya nani mbudzi yekwaChivi ko vanorwadziwa nei sevane hanya nevanhu
Jema newadya ndoavo matambiro
Isu hedu tichidya nhoko dzezvironda tichinwira nemisodzi
Tovapeiko vedu vana
Hapachina chembwa vatenzi vararira mungai
Kisimusi paZimbabwe yave nhamburiko nyama yemusoro isingarumiki.

Source - Nkosilathi Emmanuel Moyo. Snr
All articles and letters published on Bulawayo24 have been independently written by members of Bulawayo24's community. The views of users published on Bulawayo24 are therefore their own and do not necessarily represent the views of Bulawayo24. Bulawayo24 editors also reserve the right to edit or delete any and all comments received.