Latest News Editor's Choice


News / National

What did Grace Mugabe say to the War Vets? Word for word speech

by Staff Reporter
24 Oct 2014 at 05:37hrs | Views

Garari pasi maita henyu. Takamboita gathering zvedu pano asi inoiyi iri kuratidza zvinoinda mberi. Uwandu hwacho haitwa pano hwatotyisa. Kwakambouya vanhu but not nenzira iyi. Pano patiri kuMazowe kunonzi kugomba. Kugomba kunouku muvalley asi pane chiremerera chenzvimbo ino iyi. Mbuya Nehanda vaibva pano paChiweshe apa. Pakauya vakauya kuzoti gara matumba vakanga vachida kuvaitisa zvavasigadi, ivo ndokuita rebel saka hanzi vakazobatwa pazasi apo pazasi pedam pane shrine iripo, but haina kugadziriswa ipapo ndipo pavakazotengeswa, vatengesi vanowanikwa. Ndopavakatengeswa ipapo ndokubatwa ndokunouraiwa. Asi maonero andiri kuta zvinhu ndeekuti Mbuya Nehanda vakati mapfupa achamuka, mapfupa ari kumuka hazvisi zvekumbotamba nazvo. Ukaona varwi verusununguko vaungana kudai zvinoratidza kuti pane zvikuru zvinoda kuitika. Anenge asingazvioni zvikuru zvinenge zvichida kuitika zvazvake. Akaenda veduwe mukatirwira zvichirwadza. Mukaona vamwe venyu vachifa ikoko vachikuvara. Mukaona vana vadiki madzimai vachiuraiwa makatarisa, kushaya chikafu.

Mugere ipapo umwe neumwe anoziva ndaive nanhingi, anoziva nhingi akaita zvakati hazvisi zvekumbotsvaga kuti ini ndakadonhedza ndege, hazvisi zvekumbotsvaga nokuti hakuna munhu aifamba ari ega achienda kunorwa hondo. Saka munhu akangwara, anoziva zvaanoita, anomirira kuti vamwe vataure kuti taive naye nguva yakati, akazoita zvakati ndozvatinenge tichida kunzwa izvozvo. Zvekukwiridzirana pasina chawakabata, vamwe vaivepo vozokuudza kuti hazvisizvo zvakaitika. Hatishori kuti munhu akatirwira asi ngatimirei nechokwadi. Chokwadi hachioputse hukama. Ini ndiri munhu anoremekedza vanhu vakarwa hondo nekuti makaita sacrifice yaka oma yatisingambofaniri kukanganwa. Tikakanganwa hameno kuti tinenge takufunga sei.Asi kuhondo ikoko kwaiva nevatengesi munozviziva saka zvinhu zvinenege zvichiitika hazvifaniri kushamisa. Saka munhu anenge achitengesa anofanira kuudzwa nguva ichiripo nekuti tikanonoka dzimwe nguva hatizozvikwansisi kuzvigadzirisa. Makadzoka veduwe mukatisusngunura, nhasiwo vana Mai Mugabe takatorawo farm. Tatovakawo children's home. Ifarm randakatopihwawo under the land reform programme. Saka ndakati handidi kunyadzisa baba ndoda kuti vanhu kana vachindiona vati tinaMai. Asi ndinogara ndichitaura kuti ndiri munhu wenyama ndinotadza.

Pandinenge ndichitadza ndinotii (Oppah) Muchinguri huya undibatsire. Ndoinonzi wisdom iyoyo. Nokuti kune vamwe pakati pedu vanoti takarwa hondo saka hatiudzwi chinhu nokuti takaenda kuhondo. Dai VaMugabe vachidaro vangadei here vachikunzwirai tsitsi, kukurwirai?

Murikuyeuka here kuti panyaya yevhu zvanetsa nokuti maBritish vakange vapromiser kuti kana ten yes yapera tichazotaura nyaya yeland. Asi vakange vainayo vadzvanyiriri vakange vasinagde kuita let go. Mawar veterans vaona kuti zvanetsa zviri kutora nguva isusu tirikurabana population irikukura vakati takupinda muminda. Makanotora minda zvikanzi nevarungu Mugabe tumira masoja nemapurisa anorova vanhu, Mugabe akati handiiti izvozvo iright yavo. Zimbabwe will never be a colony again. Zimbabwe ino ndeedu tinofanira kuichengetedza. Hazvina basa kutodeuka kwerimwe ropa hakuna basa tichidefender Zimbabwe iyoyi. Mwari akatipa nyika iyoyi isusu vanhu vatema tema kuti tigare muno. Akatipa maresources kuti tigare muno, akatipa zvese zvatinazvo kuti tigare takadekara. Zvekuramba vanhu vachiti Zimbabwe ndeyavo ivo aewa ngavatobvuma kuti chimurenga chakarwiwa takakunda, hondo yeminda yakarwiwa takakunda. Pangava nekutsutsumwa hongu semi kunyanya imi vakarirwa verusungunuko Ini ndozvinzwisisa. Chokwadi dai zvaiita ndimi maifanira kutanga kuwana munda varwi vehondo yerusununguko. Tingadai here tichiri kutaura nhasi 34 years after independence kuti ma comrades haana munda. Chinhu chinonyadzisa mungadai musingambochemi chemi nokuti ini ndakambo maBritish even maAmericans pavaiita maworld wars aya aya pakupedzisira vairecogniser kana imbwa chaiyo. Kune mamonuments akanyorwa mazita embwa kuti so and so akanga ari kuhondo. But tingaiswa here palevel yembwa. Saka isu tirikuti aewa zvinokunetsai zvese zvofanira kutariswa zvakanyanyisisa.

VaRuwodo vanga vachitaura ndanzwa kuti vanonyanya kukumirirai. Vandiudza kuti ndinoedza asi mari panenge pasina. Tichanyatsoitaura nyaya iyoyo nekuti pandespondency. Ndozvamunofana kunge muchiita. Hapana anofanira kukutyisidzirai. Mawar veterans vanga vachitaura even nyaya yembeu. Matambudziko enyu akawandisa mataura, medical aid nokuti vamwe vakatokuvara, vamwe vanorwara, vamwe vatova vanhu vakuru. Zvinofanira kutonzisiswa kuti vamwe vave vanhu vakuru havachakwanisi kuzvibatsrira. Vamwe vakauya pfungwa dzisisashande zvakananaka. Ini handizvinzwisisi maAMercians pavaiita ma worlds wars vai recognizer kana imbwa cahidzo kuisa ma labels. Saka isu tingaiswe here pa level panembwa isusu vanhu, saka aiwa zvinokunetsai zvese zvinofanira kutariswa, zvakanyanyisisa. Ndozvamunofanira kunge muchiita. Hapana anofanira kukutyisidzirai. Ndizvozvo chaizvo. MaWar Veterans vanga vachitaura zvekare nyaya even dzembeu kuti hatiwane mbeu, mechanisation hatiwane tinoda zvekurimisa.

Ndofunga nyaya iyi ndotoudza baba kuti ngaitarisiswe nekuti hamungarambe mongotambudzika imi murimi makatiunzira rusununguko. Ndinotofara kuti takwanisa kuti tisangane kuti mutaure zvido zvenyu asi tichataura zvisina ruzha because zvimwe handisikuzvinzwa. Tichanyatsotaurirana asi zvakanaka kuti kana zvinhu zvisirikuitwa nemazvo munoprotesta, you have the right, its your right. Ndazvinzwa zvese kuti maschool fees evana haabhadharwe, tazvinwa kuti kana pachenyu munoda kuenda kuchikoro. Saka zvese izvozvo ndichanosvitsva kuna baba, handirege. Asi dzimwe nguva zvechokwadiwo mari panenge pasina asi panofanira kutariswa kuti chii chingaitwe kuti vanhu, especially vana vasarega kuenda kuchikoro. Iwewe wotadza kuenda kuchikoro nekuti wairwira nyika, mwana wako otadza kuenda kuchikoro, haa, hachingave chinhu chakanaka. Zvinofanira kutonyatsotarisiswa nekuti ndirikuona kuti kutsutsumwa kwakanyanya. Zvino ana mai mawar veterans ndinogara newar veteran guru rakazvipira kurwira nyika ino iyi kusvika nanhasi vamira vega kudai, vachirwira nyika ino iyi. Saka chimwe chii chatingade kana tiine mutungamiri akashinga kudaro.

Vanoshinga, iyezvino vanoziva kuti, munoziva takaisirwa masanctions nenyaya yevhu iyoyi, asi baba vanongoshinga kuti ngatishingei, zvichanaka rimwe zuva. Munoona even maprogrammes arikuitwa eZimAsset kuti tiwane pundutso, zvese maclusters iwo arikutaurwa ekutaura nezvechikafu nemiviri yedu kuti tive vanhu vari productive tinofanira kunge takaitasei neinfrastructure zvese izvozvo zvinongouya pamwechete kuti vanhu vawane kugara kwakanaka vawane magetsi, vamwe venyu murikurima fodya chinhu chakanaka chamurikuita kutaridza murungu kuti hausiwe wega unogona kuzvigona nesu tinokwanisa kuzviita. Saka zvinokudzwa asi ini ndinoda kuti makorokoto nehushingi hwenyu, kushinga kubva kuhondo, kushinga zvinhu zvarema, kushinga ikoko kunofanira kuramba kuchienderera mberi. Munoziva panyaya yeminda pakauya nyaya yeminda iyi, inini fanika inini ndini ndakaitwa bin, ndaktaura kuit inini ndini ndakaitwa bin, bin iri because vaifunga kuti mukadzi wavaMugabe zvaari mudiki tikamutukirira zuva nezuva haa, achaita bow down, kana adaro mukadzi waMugabe and then tichanzwa atachaudza Mugabe kuti ngatiregerei nyaya yeminda. Ndopakazouya MDC kuma99 ikoko. Asi MDC iyi yauya kudaro ini ndakataura kuti MDC hapachisina kutya, hapachisina kutaurirana nemadimikira, ino iyi yave final push ino iyi, final push munoiziva? Zvakanzi Mugabe must go vachiita final push but isu tirikuuya neyedu semadzimai nemi mese kuti final push. Munoziva kuhondo, kuhondo kwakatangwa Women's League ichinzi itarise zvido zvemadzimai ende nguva iyoyo vanamai, the late Mai Sally Mugabe vakanga varimo vakazotungamirawo imwe nguva saka handifunge kuti chinhu chinoshamisa kuti madzimai vati mai titungamirirei. Handifunge kuti chinhu chinoshamisa ichocho. Pakatanga MDC zvinhu zvakange zvichirwadza. Takangomuka I think 2000 takaruza maMP akati wandei zvikatyisa zvakanyanya.

I remember tichienda kuVictoria Falls I think 2003 conference ya2003. Conference iyoyo kwakawiriranwa on a quarter system yekuita mainstream madzimai muparty muZanu-PF. Zvikanzi izvo kubva top echelon yemusangano wedu, hierarchy yemusangano pane three vega vega kubva President nemaVice President panofanira kunge paine mudzimai. Saka zvadaro paive neConference yemadzimai kuSports Centre saka ini ndakakumbira I remember very well kuti ndakakumbira Olivia Muchena ndikamuti inini munongondisiya ndine zvandinenge ndichidawo kutaurawo zvemadzimai. Saka ndakaenda ndikanotaura ipapo kuti pane quarter system iyi asi imi hamusikuda kuitora kuti muiendesere mberi. Madzimai munenge murikuitirana shanje. Ndipo pakabva patanga, ndini ndakazvitanga, ndini ndakazvitanga, hapana angazvirambe, ndobva vanhu vave kuzouya kwandiri vachiti toitasei. Ndini, ndirikuziva kuti makanyarara, ndini ndakasusukidza Mai Mujuru inini. Ndini ndakaita kuti Mai Mujuru vave paposition yavari. Hapana asirikuzviziva izvozvo. Ndini ndakazviiti. Vakazosvika pakuitwa Vice President zvese izvozvo, munoziva ndakafara zvisinakumboonekwa ndikati isusu taelevetwa, tiripamusoro apa, tichadonha nekufara.

Source - Online