Opinion / Columnist
Poem; Tambo yemagetsi
20 Aug 2017 at 17:26hrs | Views
Iniwo zvangu tsvarakadenga yomusikana
Chigagairwa zvacho mhodzi yechingwa
Ndinotsenga mvura ndichiipfira masvisvinwa paAzania apo
Ko ishe runako pandiri vakaita rwekundiramwira
Vamwe vachirwadziwa nehudhura nekupa zvipuka mwenje
Zvinaniko ndokunyengwa zvangu nembavha murima ini mwana wemangezi
Zvikomana zvinomona vhudzi
Runako rwazvo ihwezva vasikana chaiyo
Vanakomana vashe wemhiri kwaLimpopo
Nyamba pazviri ngozi nehurombe zvakakandirirapo
Dzinopfachura mari pamadiro nhire idzi
Kupera kweimwe kusisa kweimwe sezamu raNjorikazi
Mombe yaSekuru vangu VaMadanyika inozadza hwedza nhatu
Pandakati nditandavare serunyemba mumaoko
Mudzi wangu ndokudzurwa sembambaira
Tambo yemagetsi yakange yawira zvayo mumaoko avamwene benzi.
Vanorwadza seiko vamwene vane rushusho
Ibute rine mhirirpiri zvaro minzwa iri mundove
Vakati pindikiti kumafuramhepo kwataive
Rudo rwakange rwotapira tichitambidza hedu chikari chahwo gonavapwere
Takange tasangana vanadzasukwa tichihuranga pamadiro
Takazongonzwa 'Stop It' imba ndokudengenyeka sepavomba shumba nhatu
Yakave aziva kwake aziva kwake semutsetse wemasvosve
Watsikwa nezitsoka raKanzurai rizere man'a nezvingaka
Pandakati nditize nehwangu ndokuwira mumaoko omudzvinyiriri
Wemhiri kwaLimpopo kwavanosevesa ruzhinji nemuto wegavakava

Zvinonyadzisa mwaka nenguva ino
Kuona mambokadzi asingaremekedze kodzero dzamadzimai
Zvimwe zvinoda kubikirwa doro
Bva zvauri husiku hutatu hwakapetwa zvawo
Kufumuka kwakadiiko vamwene kurova muroora netyava
Nhamo inemI vagere mhiri kwaLimpopo kupa nyika kumhepo yakadai
Zvinosetsa nembavha yakawanda
Asi angu mavanga andasiirwa igangaidza mukwenyi mhezi yavavira mumwoyo
Tambo yemagetsi yakawira zvayo mumaoko avamwene benzi.
Nkosilathi Emmanuel Moyo, Snr is a renowned poet and human rights defender reachable on his Whatsapp +32485850059

Source - Nkosilathi Emmanuel Moyo,Snr (Whatsapp +32485850059)
All articles and letters published on Bulawayo24 have been independently written by members of Bulawayo24's community. The views of users published on Bulawayo24 are therefore their own and do not necessarily represent the views of Bulawayo24. Bulawayo24 editors also reserve the right to edit or delete any and all comments received.