News / National
Open letter to Grace Mugabe from a cop!
23 Dec 2014 at 02:51hrs | Views
Dear Amai Grace Mugabe!
Isu Mapurisa tokumbirawo rubatsiro rwenyu. Mari yatinohora ndeye lower grade. Asi hatisi kuchema nePay kuti ishoma. Bible rakati tigutsikane nezvatinazvo.
Nyaya inoshungurudza Amai ndeyekuti. ZRP inotitorera mari yakawandisa in form of Contributions. Boading sch tisu takavaka asi vana vedu havaQualifayi kudzidzapo.
Commissioner's sports gala ndisu tinoSponsor. Recreationa fund yacho yawandisa these days. Kuyedza club ndisu tinoSponsor. Maprojects ehuku, nguruve nekurima kumapurazi epolice ndisu tino Sponsor.
ZRP women network takaiSponso futi. Zvakawandisa zvatinobvisira mari tichiita maContributions on top of 100% retention yemaSpot fines. Tatambura Amai.
Mari yevazukuru venyu irikubiwa nevakuru. Madii kutizorodzerawo vaChihuri nhai Amai.
Tobhadhara maSch fees, maFuneral funds, maHospital bills, maRents, maAirtime, Fuel nezvimwe zvakadaro. Izvi zvese maBoss haabhadhari nekuti vanemaPrivileges avo. Todini nhai. Asi hatina kumborasisa Baba pamaElections wani.
Tibatsireivo maShef ambomira kuDemanda maContributions kwatiri. Mari dzinobuda mumaProjects hationi kuti dzinoendepi. Hatipiwi maLoan ekutenga dzimba. Toshandirei nhai Amai. Tichafara kana mukatinzwawo shuwa Amai Grace Mugabe.
Thank yu
Isu Mapurisa tokumbirawo rubatsiro rwenyu. Mari yatinohora ndeye lower grade. Asi hatisi kuchema nePay kuti ishoma. Bible rakati tigutsikane nezvatinazvo.
Nyaya inoshungurudza Amai ndeyekuti. ZRP inotitorera mari yakawandisa in form of Contributions. Boading sch tisu takavaka asi vana vedu havaQualifayi kudzidzapo.
Commissioner's sports gala ndisu tinoSponsor. Recreationa fund yacho yawandisa these days. Kuyedza club ndisu tinoSponsor. Maprojects ehuku, nguruve nekurima kumapurazi epolice ndisu tino Sponsor.
Mari yevazukuru venyu irikubiwa nevakuru. Madii kutizorodzerawo vaChihuri nhai Amai.
Tobhadhara maSch fees, maFuneral funds, maHospital bills, maRents, maAirtime, Fuel nezvimwe zvakadaro. Izvi zvese maBoss haabhadhari nekuti vanemaPrivileges avo. Todini nhai. Asi hatina kumborasisa Baba pamaElections wani.
Tibatsireivo maShef ambomira kuDemanda maContributions kwatiri. Mari dzinobuda mumaProjects hationi kuti dzinoendepi. Hatipiwi maLoan ekutenga dzimba. Toshandirei nhai Amai. Tichafara kana mukatinzwawo shuwa Amai Grace Mugabe.
Thank yu
Source - Unkown Mupurisa