Latest News Editor's Choice


News / National

West powerless against Zanu-PF, says Mugabe

by Robert Mugabe
09 Jul 2016 at 03:40hrs | Views
President Mugabe yesterday addressed a rally at Chipadze Stadium, Bindura, capital of Mashonaland Central province, during which he called for unity of purpose,  patience in the wake of sanctions-induced salary delays and the need to  boost agricultural productivity. Below is the full text of the President's speech . . .

Pamberi nekubatana!
Pamberi
Pasi nevasingade kubatana nevamwe!
Pasi navo!

Cde Commissar, VaKasukuwere nenhengo dzePolitiburo dziri pano; mazita adomwa kare; nemaMinister vari pano nemaService Chiefs vangadai vari pano.

I should acknowledge also provincial chairman vedu vaMafios.

Ndinoda kuti tine hurombo nekuuya manheru.

Tanga takanangana nedzimwe nyaya dzebishi randakanga ndaka (inaudible) zvino ratitorera nguva yakati wande.

Hatina kupedzisa asi ndazoisa nyaya dzacho mumaoko eCommittee. Va- chazoongorora, vachizotipira kuti nyaya dzacho vaedza here kuti vanhu va- nzwanane.

Listen to the speech below…

Ndezvekwa Mudzidzisi vaWimbo uko uko, kwakamborira pfuti, saka hatidi kunzwa kuti vanhu vakazvipira kuti vaite musangano vezvechurch dzekwaMwari vari kufuiswa (inaudible) ndisu, dzimwe nguva isu tichida kuti tiwane support kwavari. Hatidi izvozvo.

Kana vachitipa support ngavatipe support pachavo nemoyo yavo ivo pachavo, kwete nekumanikidzwa, kwete nekuridzirwa pfuti. Hatidi.

Handicho Chimurenga chatakarwira; handicho Chimurenga chatakarwira.

Chakavamba muno umu patakadziridza pfuti kuno. Aive mabhunu aive kuno, ndokwakatangira Chimurenga chepfuti chaizvo-izvo kuno kuMash Central.

Asi, taive neruzivo rwekuti pfuti dzatakabata idzi, pfuti dzatiri kurwisa mabhunu nadzo idzi, hadzisi dzinganzi ndidzo dzinotungamirira musangano kwete.

Musangano ndiwo mukuru pane varidzi vepfuti.

Zvino, tinoda kuti zvive zvinozivikanwa. Vamwe vangadai vakanganwa vari mumauto edu kuti hatidi kuti tingoti pasiyana vanhu, dzimwe nguva neshamwari dzedu kana neshamwari dzevamwe vangadai vari mumauto toti totumira mauto ikoko; masoja kunokanganisa vanhu.

Aiwa!

Tine hurombo nekusungwa kwakaitwa mumwe Superintendent Commander akasungwa mbira dzakondo makumbo, maoko akaitwa zvinotonyadzisa zvandisingagone kutaura pano.

Pamusana pei? Pamusana pei? Takarwira nyika kuti isununguke. Kana tichiti nyika isununguke tinenge tichiti vanhu vedu vemunyika vasununguke, vave namagariro akanaka, vasingapiswe, kana pachavo ivo, nehurongwa hungangove hwedu hwakanganisika, kuma youth, kana nehurongwa hwedu hungadai hwarasa musoro kumapurisa kana kumasoja.

Ah, ah, hatidi izvozvo, hatidi. Pasi nazvo.

Ngatibatanei. Takarwira vanhu kuti vasununguke. Hatingazonge tichionekwa zuva ranhasi kuti isu takarwira vanhu takuvarwisa vanhu vatakarwira.

Ndinova neruzivo rwokuti kuno makabatana. Ndinova neruzivo rwekuti gore iro rino aiwa takakundwa pakurima kwedu nezuva rakati kuuya, mvura ika-shaika. Kuda kwaMwari.

Nzara zvino ikavako kuvanhu, asi ndinovimba kuti kunzvimbo dzisina kukohwa zvakakwana, kuye kunganzi kune nzara zvatakaedza kuita kutsvaga chibage kunze kwenyika chiri kuuya zvakakwanawo. Chiri kubatsira nzvimbo idzodzo dzose.

Kana musiri kubatsirikana taurai kumusangano kuti mune nzara, zvisvike kwatiri. Hatidi kuti vanhu vanzi vafa, vati bhi-i kuenda kumakuva nenzara. Zvingatinyadze.

Asi zvorevei, zvoreva kuti pagore rino ta'muna July kare! Tobatsirana zvakakwana kurima, kurima! Minda irimwe zvakakwana. Rubatsiro ruchange rwuchibvawo kuHurumende rwavanokwanisa kupa kuvarimi.

Asi takarongawo zvakare kuti kunze kwevava vanorima zvavo nemombe nemagejo, tive nekurimawo kwamazuvano, kwenyika dzakakwirira kwematractor, tiine matractor anobatsira nzvimbo, nenzvimbo kwazvo-kwazvo, nzvimbo dzine mvura kuti varime ikoko kune irrigation, kudiridza kwakakwana, kana zuva riye zvakare radzoka hatidi kuita nzara gore rinouya senzara yatinayo gore rino.

Tinotonyara kuti sei takatadza kurima tine madhamu akawanda atisina kushandisa kurima tichidiridza pamusana pekuti tanga tisina zvekudiridzisa zvacho. Asi tiri kuenda tichizviwana. Tinofunga kuti tava iyezvino neequipment nyika yose yatingati ikashandiswa zvakanaka kana nzara ikauya rwepiri, inotiwana tiine zvatinoti takakohwa, zvinogutsa mhuri yedu.

Ndochienda pakuti muri kunzwa vamwe vachingochema kuti hatisi kubhadharwa; vanosenza muHurumende, hatisi kubhadharwa nenguva! Ichokwadi vari kunonokerwa dzimwe nguva nesvondo; dzimwe nguva nemasvondo maviri; dzimwe nguva, ingave nemwedzi kana nemwedzi miviri, vasina kubhadharwa.

Zvinoitika. Toyeuka kuti hatisati tava vanhu vane nyika inonzi haina matambudziko. Tine matambudziko emasanctions.

Masanctions atakagara tinawo maAmericans havasati avabvisa. VekuEurope vakambobisa bvisa zvishoma, vachisiya zvimwe. Zvino, tinosevenzesa dollar. Dollar rinoitwa rinopirindwa kuAmerica. Hari pirindwe nesu.

Zvino, kunyange tiine zvatakatenga zvinoenda kunze zvawana mari yakati kuti, madollar akati kuti, pakuti paye tichibhadharawo zvimwe zvikwereti zvatinoda kuteng mishina nezvakadaro izvo hapana mari, madollar; madollar atinotengesa nawo; asingatange aendeswa nemabank eAmerica vobvunza ikoko kuti zvabva kupi; zviri kuenda kupi?

Kana iri mari yabva kuZimbabwe, ichienda kana kuChina inobatwa yoramba kuti aiwa, hatidi, tine masanctions kuZimbabwe; saka hatibvume kuti kutengwe chii nechii cheZimbabwe. Chinouya chema dollar anouya nekunoku, izvi ndozvinoita kuti tiwane mutsauko vakati kuti.

Manzwa nezvekuti mabond anzi arikuitwa, aye ayo anenge akamirira dollar padollar pachokwadi. Ndezvekuti tikwanise kukunda masanctions atinawo aya. Musafurirwe neavo vanoti aiwa haisi mari. Imari chaizvo-izvo.

Asi pane zveava vari kuita mastrike, havanyatsonzwisisa nhamo dzatinadzo. Hazvireve kuti tava varombo. Aiwa!

Hatimbove varombo, asi kuuya kwemari kunoti nonokeyi, pamusana pemasanctions iwaya. Zvakarewo macompanies edu nevanhuwo vedu vatengesa zvinhu vachiwana mari, vamwe vakusumba-sumba kunoisa mari dzavo kumabank.

Zvino kana mabank asina mari, vanhu vanobhadharwa nei, nekuti imari inenge iri kumabank inozotorwa neHurumende ichibhadhara masalaries, nemawages eva nosevenzera Hurumende. Asi, tiri kuzvigadziridza zvedu. Tiri kuti inhamo yemazuvano chete.

Hairambe yakadaro zvekuti madoctor vaende pastrike, manurse vaende pastrike mateacher vaende pastrike.

Havasi kunzi hatikupei mari yenyu. Aiwa! Vari kunzi chingovai nemoyo mukuru wekumbononokerwa, nekuti zvikwata nezvikwata zveHurumende zvakawanda; tichasvika kwamuriwo mopihwa mari yenyu.

Zvino havanzwisise nekuti, havana vamwe vacho, kungonzwisisa kuoma kwanga kwakaita zvinhu nguva yataitongwa nemabhunu kuti Chimurenga change chakakosha.

Vanhu vaizviitira zvikuru-kuru, kwakanga kusina mari yakawanda, asi zvino vave neHurumende yavapa ivhu, iri kuvapa mabasa, yavapa rugare. Vanhu vamwe havade kunzwisisa izvozvo. Ndinofara ndichinzwa kuti vamwe vadzokera kumabasa.

Zvino movazve vanhu vanogara vakateya kuti ah, muvengi ane tsika dzake dzaanoda kuita nadzo dzekuti dzekukudubura Zanu-PF.

Anoda, chinzwaika zviparty izvozvi zvakawanda, nechaMai Mujuru ichocho chemazuva ano. Mufunge vanonyara kuita zvimusangano zvavo.

Vanoda kubatana kuti vaite mushandirapamwe vakabatana. Vanonoitira zvimusangano zvavo kuSouth Africa vachipihwa mazano nevarungu veSouth Africa, kwete neANC, asi nevarungu kuSouth Africa.

Muchanzwisisa, tichazviburitsa pachena zvakaitika. Zvino, zvokuti ngatibatanei tigokunda Zanu-PF muna2018. Ehe, asi hongu ndinoziva kuti makasimba, asi ngatirambei takasimba nemayouth edu takasimba kudaro nema wings edu emadzimai neYouth League.

Tinotenda Youth League yatiinayo mazuva ano. Ine gwara, ine gwara! VaChipanga vane gwara. Vari kutungamirira, saka tinovimba kuti vangaite ichi nechichi kuedza ichi nechichi, asi Zanu-PF ine midzi yakadzira pasi. Havafe vakadzupura Zanu-PF.

Havafe vakadzupura Zanu-PF. Gushungo vanotenda nerutsigiro rwamunovapa, rutsigiro rwedu rwatipa mbiri muAfrica yese; rutsigiro rwandinodada narwo, ini pachangu pamusana pevanhu vangu vandinavo.

Ndivo vaita kuti tive nekuzivikanwa kuti tiri nyika, tiri vanhu vakasimba, vasingatye, vanosadharara, vanozvimirira zvakakwana; vachizvivhikira zvakakwana kuti mazano ose ose angaitwe nevavengi vedu vangave maAmericans, vangave maEuropeans ekuda kukudubura Zimbabwe, havafe vakabudirira.

Sezvandataura, asi ngatirambei takachenjera tiine maziso akati dwanana muchiona zviri kuita vamwe vavengi vedu; muchiteerera kunzwa zvinotaurwa nevavengi vedu. Asi pamoyo penyu

Zanu-PF tirambe takabatana kudaro.

Tine hurombo tauya kwakasviba kudai asi tichawana nguva yatichadzokera zvekare. Tine chikwereti chatinacho kwamuri tozochibhadhara, kuine zuva, kwakati dwanana, muchindiona ndichikuonai chaizvo.

Ndinovimba nemi because nemiwo munovimba nemi .

Ndimi maita kuti Africa ivimbe neni.

Aiwa! Ndati tichazouya zvakare pachikwereti chemasikati apo pavanenge vachironga marally akakwana makuru.

VaKasukuwere, padhuze neHarareka apa! Tinongodanhira touya. Saka tofamba tiine runyararo, avo vanopfekedzera pakati pedu, sezvipfukuto zvimwe zviri pakati pedu, aiwa toona kuti tiri kuzvipwanya. Saka ndoda kuti muchizofamba zvakanaka.

Pamberi nokubatana; neChimurenga, neChimurenga; neChimurenga. Pasi neMDC.

Ndatenda!


Source - the herald